Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gunyana 20, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gunyana 20, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kudzingwa kwevanotengesa mumigwagwa kuri kuitikawo kumaguta eMasvingo, Mutare neChinhoyi, mapurisa achiti ari kuita izvi sekutumwa kwaari kuitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Nhengo yeMDC kuMutasa Central, VaOzwell James Chitere vanokandwa mujeri kwemwedzi mina zvichitevera kuwanikwa vaine mhosva yekutyityidzira kupisa imba yenhengo yeZanu PF, Raviro Kagweda muna Nyamavhuvhu.

Nyanzvi dzozeya kuvandudzwa kwakaitwa vanyori vemapazi ehurumende, pamwe nekuendeswa kumudyandigere kwakaitwa vamwe vashandi vakuru muhurumende.

Nyanzvi dzozeya rwendo rwemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kumusangano weUnited Nations General Assembly kuNew York, uko VaMnangagwa vari kutarisirwa kutaura kekutanga kumusangano uyu nemusi weChitatu, Gunyana 26, 2018.

Nyanzvi dzozeya gakava riripo pakati pevanotengesa mumigwagwa nemapurisa ari kuvadzinga mumigwagwa.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa zvakatarisana nemadzimai anorarama nekutengesa zvinhu mumigwagwa munguva yechirwere chekorera chanetsa munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG