Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Nyamavhuvhu 10, 2018


Nhau DzeShona Studio7

Magweta ari kumirira mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, anosvitsa zviri pamutemo magwaro awo kudare reConstitutional Court achipikisa zvakaburitswa neZimbabwe Electoral Commission zvekuti mutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mangangwa, ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika. Magweta aya ari kuda kuti dare ridome VaChamisa semutungamiri wenyika.

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Nyamavhuvhu 10, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Magweta ari kumirira mutungamiri wePeople’s Democratic Party, VaTendai Biti, anoti hurumende yakatyora mutemo payakatambira VaBiti vachibva mumaoko evakuru vakuru vemuZambia sezvo paive nemutongo wedare wekuti VaBiti vasadzoserwe kuZimbabwe. .

Vanhu vakawanda vekuZambia vanoshora zvikuru zvakaitwa nehurumende yeZambia zvekuzvidza mutongo wematare ayo panyaya yaVaBiti.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zvinoreva kusvitswa kwaitwa magwaro neMDC Alliance achimisa kugadzwa kwaVaEmmerson Mnangagwa semutungamiri wenyika, achiti VaChamisa ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika..

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG