Accessibility links

Breaking News

Seventh Day Adventist Church Yoparura Chirongwa Chekubatsira veRuzhinji Pachena Kuongororwa Zvirwere


Mukuedza kubatsira veruzhinji kuchengetedza hutano hwavo, sangano reSeventh Day Adventist Church rakatanga chirongwa chekubatsira veruzhinji pachena kuongororwa zvinhu zvakaita seHigh Blood Pressure, shuga, huremu pamwe nekubatsira neruzivo rwezvehutano kusvika kupera kwemwedzi uno.

Vachitaura neStudio 7, mumwe mukuru muchechi iyi VaAlbert Muparuri vati vanhu vazhinji havana ruzivo nezvekudya kune hutano uye ruzhinji runofunga kuti kudya zvinhu zvakaita senyama zuva nezuva zvinoratidza rugare.

VaMuparuri vati sechechi vaona zvakakosha kuti vadzidzisane neveruzhinji nezvehutano kuti vanhu vasabatwe nezvirwere kunyanya zvinouya nekuda kwezvekudya.

VaMuparuri vati Health Expo yavari kuita iyi iri kubatsira vanhu vanosvika zana pazuva.

VaTawanda Masvine nyanzvi mune zvekudya uye zvichivaka muviri vati kuburikidza nechirongwa chechechi yeSDA ichi vari kudzidzisawo veruzhinji zvakakoshera kudya chikafu chechinyakare.

VaMasvine vati kudya chikafu chakatsetsenurwa (processed/refined) kunokanganisa hutano.

VaElias Masirivha vakurudzirawo veruzhinji kuti vanwe mvura yakakwana pazuva uye vakati mvura haifanirwi kumwiwa kana munhu achidya sezvo zvichikanganisa hutano.

Vamwe vainge vauya kuzobatsirwa kuHealth Expo vaudza Studio 7 kuti vabatsirikana zvikuru sezvo vabatsirwa pachena. Vatiwo zvinhu zvakadai sekuongororwa shuga neBP zvinoda mari kuzvipatara uye vazhinji havana mari yacho.

Zvichakadaro, kuramwa mabasa kwavanachiremba vanoshanda muzvipatara zvehurumende kuchiri kuenderera mberi zvichisiya varwere vasina chekubata.

Vanachiremba ava vanoti kusvika parizvino hapana chawiriranwa pakati pavo nehurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG