Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anorambidza veMachechi Kunamatira Vatongi veMatare


Bishop Ancelimo Magaya
Hurukuro naBishop Ancelimo Magaya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mapurisa arambidza vemachechi kuita munamato wekuti nyaya iri mudare re Constitutional Court yakakwidzwa nemutungamiri we MDC Alliance, Va Nelson Chamisa, inzwikwe zvisina tsvete mukati.

Vemachechi vanga vachida kushandisa munamato uyu senzira yekuti Mwari vari kudenga, vaone kuti vatongi vari kunzwa nyaya iyi, vaita basa ravo vasina divi ravakarerekera.

Vatiwo vanga vachida kunamatira vatongi vedare iri kuitira kuti pasave nevanhu vanovamanikidza kana kupindira mukutonga kwavo kuitira kuti vabude nemutongo unomirira zvido zvenyika, uye zvinangwa zvebumbiro remitemo yenyika.

Mumwe wevakuru vemachechi aya, Bishop Ancelimo Magaya, veZimbawe Devine Destiny, vanoti vakatyamadzwa nekumiswa kwaita munamato uyu sezvo munguva yapfuura vaibvumidzwa kuita izvi pasina kupindira kwemapurisa.

Bishop Magaya vanoti kunyange hazvo vange vasina mvumo kubva kumapurisa kuti vaite munamato uyu, kazhinji kacho vemakereke havawanzo tarisirwa kuti vave nemvumo inobva kumapurisa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG