Accessibility links

Breaking News

Dr Dzamara Voramba Nyaya yeKuti Vakapihwa Mari Kuti Varatidzire


Hurukuro naDr Patson Dzamara
Hurukuro naDr Patson Dzamara

Murwiri wekodzero dzevanhu, Dr Patson Dzamara avo vakapambwa vakarohwa zvakaipisisa nevanofungidzirwa kuti vasori nemusi Chishanu mangawanani vanoti vari kushungurudzwa zvikuru nevanhu vari kufamba vachivazodza mafuta enguruve yavasina kudya vachiti vakapihwa mari yekuratidzira.

VaDzamara vanoti vari kushungurudzwa nemazwi evamwe vanhu vari kuvapomera mhosva yekupihwa mari kubva kunze kwenyika yekuti vaite zvekuratidzira. Vati vari kunyanya kutaura zvisina maturo izvi inhengo dze ZANU PF dzisingade kuti zvinhu zvigadzirike munyika.

"Ndiri kurwadziwa neavo vanoti takawana mari kubva kunze kwenyika yekuti tiratidzire uye kupambwa nekurohwa kwandakaita hakusi kwechokwadi, ndakarasikirwa nezvinhu zvangu zvizhinji zvandinoshandisa mubasa rangu uye ndaikwanisa kurasikirwa nehupenyu hwangu saka zvingazondibatsireyi kuti ndiise hupenyu hwangu pautare ndichiteya mari," VaDzamara vaudza Studio 7

Hurumende yeAmerica nevesangano reEuropean Union vakurudzira Zimbabwe kuti ichengetedze kodzero dzevanhu zvichitevera kurohwa kwakaipisisa kwakaitwa murwiri wekodzero dzevanhu Dr Patson Dzamara svondo rapera muHarare nevanofungidzirwa kuti vasori.

Dr Dzamara vaudza Studio 7 nhoroondo yekushungurudzwa kwavakaitwa, vakasiiwa vasina kupfeka nekuzobatsirwa nevamwe vaive netsiye nyoro kuti vazosvika kuchipatara.

Parizvino vari muchipatara muHarare asi vanoti vave kunaya zvishoma nezvishoma.

Hurukuro naDr Patson Dzamara
please wait

No media source currently available

0:00 0:12:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

.

XS
SM
MD
LG