Accessibility links

Breaking News

America Yokurudzirwa Kubvisa Zvirango Zvakatemerwa Hurumende yaVaMugabe


Dr Moses Rumano

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri mu America zvinoti zvinoshuwiro yekuti hurumende itsva yaVaDonald Trump ibvise zvirango zvakatemerwa hurumende yaVaRobert Mugabe nevamwe vavo muZanu PF.

Asi vamwe vanoti zvirango izvi zvinofanirwa kuramba zviripo kudzamara hurumende yaVaMugabe yava kuremekedza kodzero dzevanhu munyika.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachidzidzisa muAmerica, Doctor Moses Rumano, vanoti VaTrump vakabvisa zvirango izvi zvinozobatsira kuti hupfumi hwenyika huite zvakanaka uye kuti veruzhinji vari kunonga svosve nemuromo vawanewo cheruviri.

VaTrump vari kugadzwa semutungamiri mutsva weAmerica neChishanu panguva apo VaBarack Oboma vachange vachisiya basa.

VaObama vakawedzera zvirango zvakatemerwa hurumende yaVaMugabe nedore.

Doctor Rumano vanoti zvirango izvi hazvisi kushanda saka VaTrump vanofanirwa kutanga patsva vachiongorora kuti zviyi zvimwe zvingaitwe neAmerica kuti hukama hweZimbabwe nenyika yavo husimbaradzwe.

"Sehurumende itsva shuwiro yangu ndeyekuti ngavatange hwaro hutsva pamusoro pehukama hwavo neZimbabwe. Izvi vanokwanisa kuzviita nekubvisa zvirango zvakamerwa nyika neAmerica kutira kuti hupenyu hwevanhu husanduke," Doctor Rumano vaudza Studio 7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG