Accessibility links

Breaking News

Vakoti Voratidzira kuParirenyatwa Hospital


Nurses Strike Harare2
Nurses Strike Harare2

Sachigaro veZimbabwe Nurses Association, Muzvare Stembinkosi Ngoni, vanoti vanamukoti varatidzira pachipatara che Parirenyatwa mushure mekunge mari dzavanotambira dzaderedzwa vasina kuziviswa kuti seyi izvi zvaitwa.

Muzvare Ngoni vanoti mutungamiri wesangano ravo aenda kunosangana ne sangano re Health Services Board asi hapana zvakati tsvikiti zvabuda mumusangano uyu.

Vanoti nhengo dzavo dzichasangana zvakare neChina kuitira kuti vazeye kuti voita seyi kuti zvichemo zvavo zvinzwikwe.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reHealth Services Board panyaya iyi sezvo nharembozha dzasachigaro webhodi iri, Dr Palinus Sikosana, dzanga dzisingadairwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG