Accessibility links

Breaking News

Muimbi Ane Mukurumbira Pasi Rose, Aretha Franklin, Ashaya


please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Aretha Franklin, muimbi wemuAmerica anozivikanwa nemamiriyoni evateveri vake pasi rose saQueen of Soul, ashaya ave nemakore makumi manomwe namatanhatu.

Franklin ashaya neChina kumusha kwake mudunhu reDetroit, uko anga ari kuchengetwa muchipatara zvichitevera hondo ndefu negomarara.

Mushure mekuberekwa musi wa 25 Kurume 1942 ku Memphis, kuTennessee, Franklin akazokurira kuDetroit, uko baba vake, VaC.I. Franklin vaive muparidzi aive nemukurumbira.

Chipo chake chakatanga kuonekwa achiri muduku apo airidza piano pamwe nekuimba nziyo dzechitendero munguva yaiparidza baba vake.

Franklin akazopinda mumusambo we Pop ne Jazz ave nemakore gumi nemasere achishanda nekambani yekutsikisa mhanzi ye Columbia Records.

Asi kuzobudirira kwake kwakazouya muna 1967 ave kushanda nekambani yemumhanzi ye Atlantic Records.

Akazosimukira kuita mukurumbira munyika gore iroro nenziyo dzakasiyanasiyana, dzinosanganisira “Chain of Fools,” “A natural woman,” neyakaita mukurumbira mukuru, “Respect,” iyo yakave mumhanzi wake wekutanga kuita nhamba 1 pa Billboard Hot 100.

Chimbo ichi chakanyorwa nemuimbi ainyora nziyo, Otis Redding, uyo akashaya mugore rachaburitswa, muna 1967.

Asi Franklin akashandura chimbo ichi kuchiita chimbo chenyika chevatema nevanhukadzi mushure mekunyora zvakare mamwe emashoko nekuisa mimwe mitsara yaiperetera zita rechimbo ichi rekuti “r-e-s-p-e-c-t, tsvakai zvazvinoreva kwandiri.”

Akanyorawo zvakare madambarefu akaita mukurumbira akaita sa “Amazing Grace” na “Young, Gifted and Black.”

Franklin akaita dambudziko nehuremu hwemuviri wake pamwe nedambudziko rehutano hwake, asi kunyange hazvo mukuchembera kwake, izwi rake rakaramba richitapira.

Muna 2009 akaimba pakugadzwa kekutanga kwaVaBarack Obama semutungamiri wenyika, akatandadza vanhu nekambo kaakateedzera kanozni “My Country tis of thee.”

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara muWashington DC, Amai Wandana Maluwa, vanoti kushaya kwemuimbi kwavarwadza sezvo aimirira madzimai epasi rose uye vaiimba nzimbo dzekurwisa rusarura.

Amai Maluwa vanoti rwufu urwu rwasiya gomba risingakwanise kuvharwa uye rwarwadzisa vazhinji pasi rose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG