Vaimbove murwiri werusununguko uye vakamboshandawo nevaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kwenguva yareba, Amai Margaret Dongo, vanoti hazvishamise kuti kusajeka kwekuti VaMugabe vacharadzikwa kupi inyaya yekuti bato reZanu PF rine mutemo wekuti anenge apanduka haaradzikwe kunovigwa magamba enyika, kuNational Heroes Acre muHarare.
Amai Dongo vanoti kana paine chokwadi pamashoko ari kubuda ekuti VaMugabe vakazivisa mhuri yavo kuti vaida kuradzikwa kumusha kwavo kwaZvimba pedyo naamai vavo VaBona, kwete kuNational Heroes Acre, zvinofanirwa kuremekedzwa.
"VaMugabe pavanga vachiri pachigaro nemakurukota avo ndivo vakadzika mutemo wekuti munhu anoshaya abuditswa mubato reZanu PF haaizofanira kuradzikwa kumarinda eHeroes Acre," Amai Dongo vanodaro.
Vanoti VaMugabe munhu aida kumira nezvaanenga atsidzira, izvo zvinoita kuti vagone kunge vakaudza mhuri yavo kuti vaizoda kuchengetedzwa zvavo kumusha kwavo kwaZvimba.
Pari zvino hurumende haisati yazivisa kuti hurongwa hwekuradzika VaMugabe hwakamira sei sezvo gurukota rekufambiswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vati basa iroro riri mumaoko ekomiti iri kutungamira hurongwa hwekuvigwa kwaVaMugabe.
Hurumende yazivisa kuti mhuri yekwaMugabe nevamwe vakuru muhurumende, vachitungamirwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi, vasimuka vakananga kuSingapore uko vari kunosangana naAmai Grace Mugabe nemhuri yavo vachigadzirira kudzosa mutumbi wamufi kumusha.
Mutumbi waVaMugabe uri kutarisirwa kusvika munyika neChitatu svondo rino.
Facebook Forum