Ini ndini Marvellous Mhlanga-Nyahuye ndichiti heyino misoro yenhau dzedu dzanhasi Muvhuro, Kubvumbi 11, 2016
Vaimbove varwiri vehondo yerusununguko votarisirwa kupihwa mari dzechikoro dzevana vavo zvichitevera musangano wavakaita nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.
Vana chiremba vanga vachiramwa mabasa vanodzokera kubasa muzhure mekunyorerana zvibvumirano nehurumende…
Hurumende yokurudzirwa kusimudzira kushandiswa kwepiritsi re Truvada senzira yekurwisa HIV.
Ma Mighty Warriors anokwatura Zambia mumutambo wakaitwa mukupera kwesvondo.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzehutano munyika….
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whats app nhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave. Musakanganwe kutifarira paFacebook Page yedu yeVOASHONA.