Accessibility links

Breaking News

Zanu PF neMDC-T Zvopesana paDanho raVa Trump paZvirango


Mutungamiri America, vaDonald Trump, vanoti vari kuwedzera negore zvirango zvakatemerwa vakuru vakuru pamwe nemakambani anodyidzana nehurumende yemu Zimbabwe.

Va Trump vanoti vakatora danho iri neChishanu sezvo pasina zvachinja muZimbabwe munyaya dzekodzero nehutongi hwejechetera kubva pakatanga zvirango izvi muna 2003.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi, kanawo mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo.

Asi imwe nhengo yeZanu PF, Va Believe Gaule, vanoti havawirirane nedanho ratorwa naVa Trump.

"Danho iri hari kurudzire kuvanhudzwa kwehupfumi hwenyika uye rinoita kuti zvinhu zvirambe zvakasungika vemabhizinesi vanenge vachida kuuya munyika vatadze kuuya," VaGaule vaudza Studio 7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi sachigaro weMDC-T muAmerica, Va Den Moyo, vanoti danho raVa Trump rinoratidza kuti America inoziva kuti hapana chati chachinja muZimbabwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG