Sachigaro veMDC Alliance muNorth America Province, VaTawanda Dzvokora, vari kukurudzira veruzhinji kuti vasaungana zvakanyanya munguva ino yezororo rekisimusi sezvo denda reCovid-19 richaka pfunya chisero pasi rose.
"Tino kurudzira veruzhinji kuti vasawungane nehuwandu hwavo asi kuti vatevedzere zviga zveCovid-19 sezvo denda iri richizokwanisa kutekeshera kana vanhu vakasangana vasina kubayiwa nhomba dzeCovid-19," Va Dzvokora vaudza Studio7.
Vachitaura vari mudunhu reNorth Dakota, VaDzvokora vati zororo ravo rekisimusi vachariitira vari pamba pavo nemhuri yavo, uye hama neshamwari dzinovashanyira dzinofanirwa kutevedza nzira dzose dzekudvivirira kutapuriranwa kwechirwere cheCovid-19.
Ukuwo nhengo yeZanu PF, Doctor Masimba Mavaza, vanotiwo vari kukurudzira vatyairi kuti vasamwe doro zvakapfurikidza sezvo nguva yezororo iri nguva inoitika njodzi dzakawanda.
"Nguva ino yezororo rekisimusi tinokurudzira kuti vasamwe zvakanyanya sezvo kudhakwa munhu ari mumugwagwa zvichikonzeresa njodzi dzomotokari, mabhazi nemagonyeti dzakawanda," Doctor Mavaza vaudza Studio7.
Facebook Forum