Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanomisa Kugadzwa Zviri paMutemo kweMutungamiri weNyika.


VaEmmerson Mnangagwa veZanu PF
VaEmmerson Mnangagwa veZanu PF
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurumende inoti yambomisa hurongwa hwayo hwekugadzwa kwemutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, uhwo hwanga huchifanirwa kuitwa neSvondo.

Hurumende yamisa hurongwa uhwu zvichitevera kusvitswa kwakaitwa neMDC Alliance magwaro ekupikisa kudomwa kwakaitwa VaMnangagwa semutungamiri wenyika ne Zimbabwe Electoral Commission, Zec.

Gurukota rezvemitemo, uye vari mumiriri waVa Mnangagwa musarudzo yemutungamiri wenyika, Va Ziyambi Ziyambi, vanoti ichokwadi kuti hurongwa hwekugadza mutungamiri wenyika hwambomiswa, kuitira kuti Constitutional Court ipe mutongo wayo pachichemo chakasvitswa kudare iri nemutungamiri weMDC Alliance, Va Nelson Chamisa.

MDC Alliance inoti ine humbowo hwekuti VaChamisa ndivo vakakunda VaMnangagwa musarudzo yemutungamiri wenyika, kwete zvakaziviswa nasachigaro we Zec, Amai Priscilla Chigumba.

VaZiyambi vanoti VaMnangagwa vacharamba vachiita basa ravo remutungamiri wenyika sezviri mubumbiro remitemo r-yenyika kudzamara dare ragadzirisa nyaya yakakwidzwa kumatare neMDC Alliance.

VaZiyambi vanoti dare rinofanirwa kupedza nyaya iyi mukati memazuva gumi nemana.

"Mushure mekuturwa kwemutongo nedare reConstitutional Court mutangamiri mutsva anozogadzwa mukati memazuva maviri kubva musi wapihwa mutongo," VaZiyamba vaudza Studio7.

Panyaya iri mudare, pane zvinhu zvitatu zvinofanirwa kuitwa nedare iri. Chokutanga rinofanirwa kuona humbowo hwaiswa pamberi paro neMDC Alliance, uye rikagutsikana kuti humbowo uhu hwakawandisa, uye hunotsigira kuti VaChamisa vakabiridzirwa, rinogona kuti VaChamisa ndivo vakasarudzwa zviri pamutemo, kana kuti rinogona kuti sarudzo iyi idzokororwe.

Kana dare rikatadza kugutswa nehumbowo hwarapihwa, dare iri rinopa mutongo wekuti VaMnangagwa ndivo vakakunda.

Mutongo weConstitutional Court haupikiswe, uye anenge anzi ndiye akakunda, anofanirwa kugadzwa semutungamiri wenyika mukati memaawa makumi mana nemasere.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG