Vanhu vanofungidzirwa kuti vasori vanonzi vaenda mangwanani eChipiri kumba kwasachigaro w Crisis In Zimbabwe Coalition, uye vari mukuru we Heal Zimbabwe Trust, Va Rashid Mahiya, vachivatsvagwa asi vakasa buda panze sezvo vanoti vange vachityira hupenyu hwavo.
Chikwata chevanhu ava chinonzi charamba kutaura kuti vanga vari vanani.
VaMahiya vakasungwa muna Kukadzi zvichitevera kuratidzira kwakanga kwarongwa neZimbabwe Congress of Trade Unions muna Ndira.
VaMahiya vari kutongwa vachibva kumba kwavo mushure mekubhadhariswa mari yechibatiso.
VaMahiya vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare redzimhosva musi wa Chikumi 26, panyaya yavakasungirwa muna Kukadzi.
VaMahiya vanoti zviri kuvashamisa kuti seyi vari kuramba vachishungurudzwa sezvo vari kuita zvese zvavanofanirwa kuita zvakaturwa nedare zvekuti vaende kumapurisa svondo rega rega.
"Ndava kutotyira hupenyu hwangu sezvo mhuri yangu iri kugara ichishungurudzwa uye ini ndichityisidzirwa nevanhu vasinga zivikanwe kuti ndivanaani uye vanenge vasina kupfeka mbatya dzechipurisa," VaMahiya vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7.
Facebook Forum