Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anovharisa Mabiko eKisimusi Akanga Arongwa neMumiriri weHighfield West, VaChidziva

Vagari vemuHighfield West vachitakura mazipoto ane nyama yanga iri pakati pekubikwa pasvika mapurisa chivadzinga kubva paZororo.
Vagari vemuHighfield West vachitakura mazipoto ane nyama yanga iri pakati pekubikwa pasvika mapurisa chivadzinga kubva paZororo.

Mapurisa neMuvhuro akavharisa mabiko eKisimusi anga akarongwa nemumiriri weHighfield West muparamende, VaHappymore Chidziva vebato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, ayo anga achifanirwa kuitirwa pamahofisi eZororo.

VaChidziva vaudza Studio 7 kuti mapurisa ati vakanga vasina kupiwa mvumo nemapurisa yekuti vaunganidze vanhu. Asi ivo vanoti aya manyepo sezvo vakanga vachiita misangano nemapurisa epaSoutherton pamusoro pehurongwa hwavo uhwu.

Vanoti vanga vachida kutorawo mukana wemabiko ekupera kwegore aya kuti vagovere zvekudya kuvagari vemudunhu ravano mirira, zvikuru vakwegura,nevanoshaya.

Studio 7 yakundikana kuwana divi remapurisa panyaya iyi sezvo mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati vanga vasingakwanise kutaura nesu panhare sezvo vanga vachityaira.

VaChidizva vanoti pasvika mapurisa abva audza vanga vaungana kuti vabve vese panzvimbo iyi, uye chimwe chikafu change chabikwa chatozogoverwa kuvanhu vanga vaungana ava chimwe chikaraswa.

Vanoti dambudziko guru ndere nyama yavarikushaya kuti voita seyi nayo sezvo vasina mafiriji anokwanisa kuchengetedza nyama yose iyi nekuda kwekushaya magetsi.

VaChidziva vanoti kunyangwe vambomiswa kuita mabiko avo, vari kuronga kuti vaite mamwe mabiko akafanana naiwaya pazuva regoredzva.

"Semumiriri wedunhu reHighfield West ndichaenderera mberi nemabiko aya sezvo ndichida kuti vanhu vemudunhu rangu vayanane nekupemberera goredzva," VaChidziva vanodaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


This item is part of
XS
SM
MD
LG