Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Voyambirwa Kuti Vakoshese Hutsanana Kuitira Kuti Vasa Batwe neTyphoid


please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Veruzhinji vari kuyambirwa kuti vakoshese hutsanana uye kuti vaende kuchipatara kana vakaona vachiita manyoka ane ropa sezvo vangange vane chirwere chetyphoid.

Nyanzvi munyaya dzehutano, Dr Rutendo Bonde, vanoti dambudziko retyphoid rakatekeshera muGweru. Sangano re Gweru Residents Forum nhasi razivisa kuti pane vanhu vapfumbamwe vakashaya nechirwere ichi, vamwe vanhu mazana matatu vakarapwa chirwereichi.

Sangano iri rinoti dambudziko iri riri kuwanda kuMkoba township nzvimbo inogara vazhinji. Dr Bonde vanoti vanhu vanofanirwa kukoshesa kugeza michero yavanotenga pamisika uye kuziva pekuchengetedza mvura yakachena kuitira kuti dambudziko iri risavabate.

Dr Bonde vanoti panguva iyo dambudziko iri ririkunetsa kunzvimbo dzakadayi seGweru, vanhu vanofanirwa kumbomira kukwazisana uye kuchenjera kutapurirana chirwere chemanyoka ichi pamichato nendufu sezvo vanhu vanenge vasingazive kuti chikafu chavanenge vachudya chinenge chabikwa pakachena uye nehutsanana here.

"Dambudziko iri rinokwanisa kuderera kana vanhu vakaita hutsanana uye vakakurumbidza kuenda kuchipatara kana vachinge vawona vava kuita manyoka aneropa nekupisa muviri zvakanyanya," Dr Bonde vaudza Studio7.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG