Accessibility links

Breaking News

America Yozeya Mutemo Wekubvisa Zvirango Zvakatemerwa Vamwe Vakuru muHurumende


Nhengo dzekomiti yedare reseneti rekuAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika re Foreign Relations Committee, VaChris Coons vebato remaDemocrats naVaJeff Flake vemaRepublicans vakatura bhiri mudare ravo rakanangana nekuvandudza mutemo weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Act kana kuti ZIDERA.

Mutemo uyu wakadzikwa nedare reCongress muna 2001 uchitemera zvirango vamwe vakuru vehurumende vaipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Asi vakuru muhurumende vanoti vakatemerwa zvirango izvi nenyaya yekuti Zimbabwe yainge yatora mapurazi kubva kuvachena ichipa vatema.

Mubhiri ravo VaCoons naVaFlake vanoti kuti zvirango izvi zvibviswe, Zimbabwe inofanira kuita sarudzo dzakachena, kuvandudza hupfumi pamwe nekuremekedza kodzero dzevanhu.

Mumwe mugari wemuHarare, Amai Getrude Moyo vaudza Studio 7 kuti zviri kurongwa neparemende yeAmerica zvakanaka chose.

Mutauriri we MDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube, VaKurauone Chihwayi, vaudza Studio 7 kuti hapana chakaipa pabhiri rave kuzeiwa nekongiresi yekuAmerica.

VaRichard Chimbiri vanoona nezvesarudzo muMDC vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti America nenyika dzepasi rese dzipe muono wadzo pasarudzo dze muZimbabwe.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaVivid Gwede,vanoti mutemo urikuda kudzikwa neAmerica wakanaka chose.

Vanoti mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vawana mukana wekuzvichenura nekuita sarudzo dzakachena sekuvimbisa kwavo.

Murairidzi wepaGreat Zimbabwe Univeristy, VaJoel Mukusha, vanoti kunyange hazvo America iine kodzero yekudzika mutemo wainoda hazvina kunaka kuti iudze dzimwe nyika kuti dzozvitonga sei.

Mashoko aya atsinhirwawo nemurairidzi wezvidzidzo zvematongerwo enyika paUniveristy of Zimbabwe, Professor Charity Manyeruke avo vati Zimbabwe inyika yakazvimirira isingafanire kuudzwa zvekuita neAmerica. Vati Zimbabwe ine paramende yayo inogadzira mutemo wayo.

Vaenderera mberi vakati hapana chinoshamisa pane zviri kuitika nekuti mapato anopikisa anoda kuti Zimbabwe igare ichiomeserwa pane zvose, zvikuru MDC.

Asi veMDC vanoti Zanu-PF ndiyo yakazvigokera moto muziso nenyaya yekutonga nedemo.

Vanokokera nhengo dzebato ririkutonga reZanu PF muparamende, VaLovemore Matuke vaudza Studio 7 kuti paramende yekuAmerica yakasununguka kudzika mitemo yainoda.

Vatiwo Zimbabwe iri kuronga sarudzo dzakachena dzine vaongorori vekunze.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakavimbisawo kuti hurumende yavo ichaita sarudzo dzakachena uye vachatambira chero zvichabuda musarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG