Nyanzvi yezvirwere zvinotapuriranwa mubazi rezvehutano, Doctor
Portia Manhangazira vari kukudzira veruzhinji kuti vafashaidze mvura yavo yekunwa zvikuru vari mumadhorobha, sezvo zvirwere zvemanyoka zviri kuwanda, zvikuru kuvana vadiki.
Doctor Manangazira vanoti bazi rezvehutano riri kuyedza kubaya vana vechidiki nhomba dzinovabatsira mukudzivirira zvirwere nyemanyoka izvo zvatekeshera mumadhorobha zvikuru muHarare umo makamboshaikwa mvura yekunwa kwechinguva.
Dambudziko rezvirwere zvemanyoka rinonzi rakanyanya kutekeshera kunzvimbo dzakadayi seBudiriro nekuKuwadzana uko kwagara kuchinetsa pakuwanikwa kwemvura yekunwa yakachena. Munguva yapfura chirwere checholera chakambo netsa munzvimbo idzi chikatora hupenyu hwevanhu.
"Tiri kuyedza nepatinokwanisa sebazi rehutano kuderedza hukasha hwezvirwere zvemanyoka nekubaya vana nhomba dzinozobatsira kuti vasabatwe nezvirwere izvi,"Doctor Manangazira vaudza Studio7.