Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Mutungamiri weAmerica Va George H.W.Bush Vorangarirwa muWashington DC


Fineray George H. W. Bush
Fineray George H. W. Bush

Vanhu vemu America vaenderera mberi neChitatu vachikuonekana nemutumbi wevaimbove mutungamiri weAmerica, Va George H. W. Bush, avo vakashaya neChishanu chapfuura mushure mekurwara kwenguva yakareba.

VaBush vachavigwa mudunhu reTexas.

VaBush vakaita mutungamiri weAmerica kubva muna 1989 kusvika 1993, mushure mekunge vamboita mutevedzeri wemutungamiri wenyika panguva iyo VaRonald Reagan vaive mutungamiri weAmerica.

Kubva muna 1990 kusvika 1991 VaBush vakatungamira hondo yekutanga yeFirst Gulf War apo America yakarwisa nyika Iraq mushure mekunge nyika yapinda zvine chisimba muKuwait.

Mutauriri wehurumende, VaNick Mangwana veZanu PF, vanoti hurumende yeZimbabwe iri kuchema nemhuri yeAmerica mushure mekushaya kwaVa Bush.

Mutauriri wemutungamiri weMDC, Va Nelson Chamisa, Va Nkululeko Sibanda, vanoti Va Bush vacharangarirwa nemabasa mazhinji avakaita vari pachigaro.

Vakambove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, vanotiwo pasi rose riri kubatana nemhuri yaVa Bush mukuvarangarira mabasa avakaita vachiri vapenyu.

Muzvinafundo anodzidzisa mu America, Dr Moses Rumano, vanoti chidzidzo chikuru pamusoro pekushaya kwaVaBush ndechekuti vanhu vanofanirwa kuita mabasa akanaka avanozorangarirwa nawo kana vachinhe vafa.

VaBush vaitirwa munamato kuCathedral muWashington DC mutumbi wavo usati waendeswa kuTexas kunoradzikwa kumarinda akaradzikirwawo mudzimai wavo, muchakabvu Babra Bush.

VaBush vanga vari mumwe wevaimbove vatungamiri veAmerica vachiri vapenyu vanosanganisira VaJimmy Carter, VaBill Clinton, VaGeorge Walker Bush naVaBarack Obama.

Kushaya kwavo kwasiya vanhu vaimbove vatungamiri veAmerica vana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG