Accessibility links

Breaking News

Dare raMejasitiriti Rinoendesa Zvakare Mberi Kunzwikwa kweNyaya Dziri Kupomerwa Muzvare Marry Mubaiwa


Muzvare Marry Mubaiwa, mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vachisvika padare redzimhosva
Muzvare Marry Mubaiwa, mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vachisvika padare redzimhosva

Nyaya yemudzimai wemumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, Muzvare Marry Mubaiwa, yaendeswa mberi zvakare kumusi wa14 Ndira gore rinouya nemutongi wedare ramejasitiriti, VaChrispen Mberewere.

Izvi zvinotevera kumira mudare kwaitwa neMuvhuro naMuzvare Mubaiwa, sehurongwa hwekunzwikwa kwenyaya dzavari kupomerwa, zvichireva kuti Muzvare Mubaiwa vacharamba vari muhusungwa.

Muzvare Mubaiwa, avo vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa, vari kupomerwa mhosva dzinoti yekuda kuuraya murume wavo, kuburitsa mari kunze kwenyika zvisiri pamutemo, pamwe nekufojera magwaro emuchato wavo.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vachishanda neHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga vanoti Muzvare Mubaiwa vanosungirwa nebumbiro remitemo kuti kodzero dzavo dziremekedzwe kunyange vari muhusungwa.

Vanoti mamwe madzimai anorwira kodzero dzevanhu vanofanirwa kunge vachimira naMuzvare Mubaiwa munyaya dzekuwona kuti kodzero dzavo dzaremekedzwa pasina kutarisa kuti vanotsigira bato ripi.

VaMavhinga vanoti vazhinji vanogona kunge vari kutadza kutsigira Muzvare Mubaiwa sezvo vachinzi ndeve bato riri kutonga pari zvino reZanu PF.

" Zvakakosha kuti vanorwira kodzero dzevanhu, nyanya masangano emadzimai, vamire naMuzvare Mubaiwa kuti vaone kuti kodzero dzavo semunhu hadzisi kutyorwa,'' VaMavhinga vanodaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG