Accessibility links

Breaking News

Ambassador Chifamba Vochingamidzwa neMugovera muMaryland


i
i

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri mu America zviri kusangana nemusi weMugovera muMaryland apo zvichasangana nemumiriri weZimbabwe mu America, Ambassador Tadeous Tafirenyika Chifamba.

Mumwe wevari kuronga gungano iri, Amai Cassandra Sibanda-Guni, vanoti zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri muWashington ne Virginia nedzimwe nzvimbo zviwane mukana wekuchingamidza mumiri weZimbabwe muAmerica sezvinoitwa pachivanhu chedu.

Amai Sibanda-Guni vanoti pamusangano uyu pachange paine makuwerere akawanda kusanganisira zvekudya nemimanzi yeku Zimbabwe.

Anai Sibanda-Guni vanoti hurongwa hwavo huchaitirwa muValley Mill Park muguta reSilver Spring muMaryland uye huchatanga nenguva dzemasikati dza 1pm kusvika 6pm. Amai Sibanda-Guni vanoti vanhu vachaungana asi vachitevedzera zvinodiwa nemitemo inobata Covid-19.

Ambassador Tadeous Chifamba
Ambassador Tadeous Chifamba

Ambassador Chifamba, vanoti vari kufara zvikuru negungano rakarongwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muDMV apo vachawana mukana wekuzivisa vanhu mabasa anobatwa nemuzinda wavo.

Ambassador Chifamba vanoti basa ravo nderekumirira zvizvarwa zvose zveZimbabwe zviri muAmerica vasingatarisi kuti munhu abva mumba maani.

Ambassador Chifamba vakadomwa gore rapera nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuva mumiriri weZimbabwe muAmerica. Vakambomirirawo Zimbabwe kumubatanidzwa hwenyika dzemuEurope, kana kuti European Union.

Munguva yehurumende yemubatanidzwa, Ambassador Chifamba ndivo vaive munyori mubazi rezveRegional Integration and International Cooperation.

Mumiriri wekambani yeNyaradzo Group North America, VaEsau Mavindidze, vanoti vachange vari pamusangano uyu vachishambadzawo zvinoitwa nekambani yavo, iyo iri kutsigira gungano iri.

VaMavindidze vanoti zvakakosha kuti makambani ezvizvarwa zveZimbabwe ari kunze kwenyika atsigirewo magungano anenge achisangana vanhu vekumusha.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG