Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veZanu PF neMDC Vanoratidzira kuMusangano weUNGA kuNew York

Mumiriri weHighfield muparamende, VaHappymore Chidziva, vebato reMDC vakavepowo pakuratidzira uku.
Mumiriri weHighfield muparamende, VaHappymore Chidziva, vebato reMDC vakavepowo pakuratidzira uku.

Vatsigiri veZanu PF neMDC muAmerica vakasangana neMugovera pakuratidzira kwakaitwa nemapato aya pamahofisi eUnited Nations ari muNew York, kumusangano wechimakumi manomwe neina weUnited Nations General Assembly, uko mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kupindawo musangano uyu.

Mutauriri webato re Zanu PF muCanada, VaJones Musara, vanoti nhengo dzavo dzakabatana nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica pamwe neshamwari dzavo dzeDecember 12 Movement mukuratidzira uku vachishoropodza zvirango zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumawirira.

VaMusara vanoti ivo nevamwe vatsigiri vebato ravo vakakwanisawo kuita musangano nemutungamiri webato ravo, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa pamwe nemakurokota avakaenda navo kumusangano uyu.

VaMnangagwa vainge vakatarisirwawo kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica nemusi weSvondo asi musangano uyu wakambosendekwa parutivi.

Mumiriri weHighfields muparamende vari nhengo yeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaHappymore Chidziva, avo vakange vari pakuratidzira uku, vanoti vari kufara nekuwana mukana wekubatana nenhengo dzebato ravo dzemuAmerica, Canada neBritain dzakange dziri pachiitiko.

VaChidziva vanotiwo vakawana mukana wekushoropodza mafambisirwo ari kuitwa nyika nehurumende yaVaMnangagwa.

This item is part of
XS
SM
MD
LG