Accessibility links

Breaking News

Vanamuzvinabhizinesi Voshora Kudhura Kuri Kuita Kuongororwa Chirwere cheCovid-19


Vamwe vanamuzvina bhizinesi vanoti vari kutambira danho ratorwa nehurumende rekubvisa zvayanga yatara zvekuti vashandi vaongororwe chirwere cheCovid-19 vasati vadzokera kumabasa.

Mumwe muzvinabhizinesi, Amai Maria Chidyausiku, vanoti vakakatyamadzwa pavakaenda kunoongororwa ropa ravo kuitira kuti vadzokere kumabasa sezvo mari yacho yanga ichidaidzirwa yange yakawandisa.

Vanotiwo vanhu vange vachiziviswa zvinenge zvabuda muongororo munhu wese achinzwa izvo zvakaita kuti mumwe mudzimai akange audzwa kuti ane Covid-19, aridze mhere.

"Mari dziri kubhadhariswa dzakawandisa, kulaboritory kwatakaenda takabhadhariswa mari inosvika $25 US ini ndikawanikwa ndisina Covid-19, asi mumwe wandanga ndaenda naye akanzi aende kuchipatara che St Annes kunowongororwa zvakare servo zvakabuda muwongororo yake zvange zvisinga gutse. KuSt Annes takasviko bvisiswa mari inoita $65 yekuAmerica," Amai Chidyausiku vaudza Studio7.

Amai Chidyausiku vanoti zviri kunyanya kukatyamadza ndezvekuti munhu kuri kunzi anotora zvinenge zvabuda muongororo yako kubva kuSt Annes uye hapana dzidziso inopihwa munhu kuti ugadzirire zvichabuda muongororo.

"Hapana nyanzvi dzinotaura newe paunoenda kunowongororwa sezvatinoona zvinoitika panowongororwa hutachiwona hweHIV/AIDS, izvi zvinozo kwanisa kukanganisa remangwana revazhinji sezvo vanenge vasina kufanotaurwa navo kuti vanotambira seyi nhau kana vachinge vawanikwa vane Covid-19," vadaro Amai Chadyausiku.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG