Accessibility links

Breaking News

Bato reMDC Alliance Robatsira Mukurwisa Denda reCovid-19


Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri we MDC Alliance, Amai Lynette Karenye-Kore, vanoti mapazi avo ehutano neremadzimai ari kushanda zvakasimba achipa dzidziso yakasimba kuvanhu pamusoro pekukosha kwakaita kubayiwa nhomba yeCovid-19.

Vanoti vari kupa zvakare zvikwanisiro zvakaita semamasiki kune avo vasina kuitira kuti vagare vakazvidzivirira kubva kudenda reCovid-19.

Amai Karenye-Kore vanoti pari zvino vabereki vari kutarisana dedambudziko rekubhadharira vana mari yekuti varambe vari muzvikoro izvo zvakavhurwa svondo rino.

Vanoti hurumende inofanirwa kushandisa mari dzairi kuwana kubva kunze kuti igadzirise mihoro yevarairidzi nekufirita muzvikoro kuti vana nevarairidzi vasabatwe nedenda reCovid-19.

"Zvinhu zvakawomera vaberiki zvakanyanya sezvo tichiri mulock down uye vamwe vaberiki vasiri kuenda kumabasa, kuti vakwanise kubhadharira vana vavo vari yezvikoro. Dai hurumende yashandisa dzimwe mari dzairi kuwana kunze kuti ibatsire nekukwidza mihoro yeva dzidzisi uye kufirita muzvikoro kuti denda reCovid-19 risa pararire," vadaro Amai Karenye-Kore.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG