Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanobva kuZimbabwe Vari kuEast Plastic View, Pretoria kuSouth Africa Vorasikirwa nePekugara


Dzimwe mhuri dzinobva kuZimbabwe dziri munzvimbo yeEast Plastic View muPretoria ku South Africa dzinoti dzakatarisana nedambudziko guru rekushaya pekugara mushure mekunge dzimba dzavaigara dzakatsva neMugovera, vanhu vana vakafa muchiitiko ichi.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaGIft Machini, vanoti hupenyu hwawoma uye pari zvino vari mubishi rekuvaka zvakare dzimba dzavari kugara sezvo dzakatsva vakarasikirwa nezvikwanisiro nezvimwe zvinhu zvavakange vatenga vachida kutumidzira kumusha.
VaMachini vanoti vanhu vazhinji vari kurara panze panguva iyo vari mubishi rekuyedza kuzvidzivirira kubva kuchirwere cheCovid-19 uye kune chando chakaipa sezvo iri nguva yekutonhora.
"Tiri kutarisana nematambudziko akawanda parizvino sezvo vazhinji vedu vakarasikirwa nepekugara nemidziyo nemari. Parizvino pane vamwe vakato rasikirwa nehupenyu parizvino,"VaMachini vaudza Studio7.
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG