Accessibility links

Breaking News

Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muCanada Zvofadzwa neMabatirwo eDenda reCovid-19 Munyika Iyi


Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muCanada zvinoti zviri kufara nemabatirwo ari kuitwa denda reCovid-19 nehurumende yemunyika iyi uye zvine shuwiro yekuti Zimbabwe idzidzewo kubva pane zviri kuitika munyika iyi.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muCanada, Mufundisi Takudzwa Mukumba, vekereke ye Apostolic Faith Mission, vanoti matambudziko ari kunyanya kusangana nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muCanada inyaya dzekuwanda kwevanhu vave kubatwa nezvirwere zvinokonzerwa nekudzamiswa kwepfungwa zvakanyanya.

Vanoti zvakakosha kuti vanhu vapote vachibvunzana hupenyu panguva ino yeCovid-19.

"Panguva ino yeCovid-19 tiri kuwona kuti vanhu vazhinji vari kutarisana nezvirwere zvepfungwa zvakasiyana siyana nepamusana pekuti vamwe vanhu havana vekutaurira nhuna dzavo panguva ino vazhinji vari kushanda vari mudzimba uye nyika zvinji dzakavharwa," VaMukumba vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG