Accessibility links

Breaking News

America Yoyambira Zvizvarwa Zvayo muZimbabwe


Zimbabwe Elections
Zimbabwe Elections
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Imwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, Va Francis Musoni, avo vanodzidzisa pa University of Kentucky muAmerica, vanoti danho ratorwa nemuzinda weAmerica rekuyambira zvizvarwa zvayo pamusoro pemhirizhonga ingangoitika muHarare, chinhu chinotarisirwa kuitwa nenyika dzakawanda.

VaMusoni vanoti shuwiro yavo ndeyekuti mutongo uchabuda mudare ubatsire mukugadzirisa zviri kunetsa munyaya dzehupfumi.

VaMusoni vanoti mumwe weavo vakaenda kunovhota kuZimbabwe musarudzo dzichangobva kuitwa, uye shuwiro yavo ndeyekuti zvinhu zvichashanduka munyika kana dare reConstitutional Court rikapa mutongo waro nemusi weChishanu.

"Isu sezvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica takatarisira kuti zvinhu zvigadzirike munyika sezvo tiine hama dziri kumusha dzatinoda kuti dzigare zvakanaka nesuwo tinoda kuti zvinhu zvigadzirike kuitira kuti tigodzokerawo kumusha,"VaMusoni vaudza Studio 7.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG