Accessibility links

Breaking News

MISA Zimbabwe Yokumbira ConCourt Kuti Vatori veNhau Vatepfenyure paFacebook neTwitter


Misa- Zimbabwe
Misa- Zimbabwe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sangano re MISA Zimbabwe raisa magwaro aro zvechimbi chimbi mudare re Constitutional Court richikumbira dare iri kuti ribvumidze kutepfenyurwa kwenyaya iri kunzwikwa mudare iri nemusi weChitatu.

Dare iri riri kunzwa chikumbiro chemutungamiri we MDC Alliance, Va Nelson Chamisa, avo vari kupikisa zvakaburitswa neZimbabwe Electoral Commission, zvekuti mutungamiri weZanu PF, Va Emmerson Mnangagwa, ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Misa Zimbabwe, ichitsigirwa nemutori wenhau ari muBulawayo, Busani Bafana, inoti nyaya iri mudare iri yakakosha zvikuru, nokudaro munhu wese anofanirwa kuona kutongwa kwayo.

MISA Zimbabwe inotiwo dare iri rinofanirwa kubvumidza kuti nyaya iyi itepfenyurwewo pa Facebook ne Twitter, nokudaro rinofanirwa kubvumidza kushandiswa kwenharembozha mudare iri.

Sachigaro ve MISA Zimbabwe, Va Golden Maunganidze, vanoti sangano ravo rakatotarisira kuti vachawana mhinduro ichavafadza neMuvhuro.

Parizvino nepfenyuro ye ZBC iri kunzi ndiyo yapihwa mvumo neJudicial Services Commission yekutepfenyura kutongwa kwenyaya hombe iyi..

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG