Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weAmerica Va Joe Biden Votarisirwa Kushanyira Dunhu re Louisiana Rakavhiringwa neDutumupengo


Matunhu emuAmerica anosanganisira Louisiana, New York, New Jersey nePennsylvania akarohwa nemvura yakasimba yeHurricane Ida.
Matunhu emuAmerica anosanganisira Louisiana, New York, New Jersey nePennsylvania akarohwa nemvura yakasimba yeHurricane Ida.

Mutungamiri weAmerica Va Joe Biden vari kutarisirwa nhasi kushanyira dunhu re Louisiana muno mu America iro rakavhiringwa zvakanyanya nedutumupengo kana kuti Hurricane Ida svondo rino.

VaBiden vari kutarisirwa kuita hurukuro nagavhuna wedunhu iri Va Joe Bel Edwards, kuti vawone kuti vangawedzere seyi rubatsiro rwavari kupa kudunhu iri. Dzimba zhinji dzakaparara vamwe vanhu vakarasikirwa nehupenyu, ukuwo magetsi nemvura yekunwa yakachena zvichishaika mune dzimwe nzvimbo.

Hurricane Ida yakasvikawo zvakare mumatunhu anoti New York, New Jersey nePennsylvania, uko yakaparadzawo zvakare dzimba nemidziyo. Vanhu vashaika kubva kumvuramupengo iyi vanonzi vanosvika makumi mana nevatanhatu, kana kuti 46 pari zvino.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muNew York, Mufundisi Chaka Ngwenya, vanoti vanotenda mwari kuti havasati vanzwa kuti pane chizvarwa cheZimbabwe chakarasikirwa nehupenyu kuburikidza nedambudziko remafashamu emvura iri kusvika pari zvino.

Vanoti vakaona mafashamu emvura zhinji mune dzimwe nzvimbo dzakadayi sezviteshi zvezvitima zviri pasi peguta ravo asi pari zvino zvinhu zvave nani.

VaNgwenya vanoti chirongwa chavo che ZIMUSA Flea Market icho chichaunganidza zvizvarwa zveZimbabwe zvinobva kunzvimbo dzakasiyana siyana chichaenderera mberi kunzvimbo yavari, uko kusina kukuvadzwa nemvura iyi.

"Tiri kuenderera mberi negungano redu mangwana senzira yekutenda Mwari nekutichengetedza kuti kudambudziko iri rakawira nzvimbo yeNewYork. Tichange tine zvizvarwa zveZimbabwe zvinobva kunzvimbo dzaka siyana siyanaimo muno muAmerica," vanodaro Mufundisi Ngwena.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG