Accessibility links

Breaking News

Imwe yeNdege Mbiri Dzakatengwa neZimbabwe Airways Yotarisirwa Munyika neChitatu


Imwe yendege mbiri dzerudzi rweBoeing 777, dzakatengwa nekambani yeZimbabwe Airways, inonzi iri kutarisirwa kusvika munyika.
Imwe yendege mbiri dzerudzi rweBoeing 777, dzakatengwa nekambani yeZimbabwe Airways, inonzi iri kutarisirwa kusvika munyika.

Imwe yendege mbiri dzinonzi dzakatengwa kuMalaysia nekambani yeZimbabwe Airways munguva yehurumende yaVaRobert Mugabe, inonzi iri kumhara neChitatu masikati paRobert Mugabe International Airport.

Ndege iyi inonzi iri kuuyiswa zvichitevera kupindira kwakaita mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vakati ndege idzi dzinofanirwa kuuya sezvo dzakatengwa pachishandiswa mari yehurumende.

Boka reCivil Aviation Authority of Zimbabwe, rakazvisa kuti ndege yerudzi rweBoeing 777, iri kutarisirwa kusvika muZimbabwe ichibva kuMalaysia.

Hapana ruzivo rwekuti ndege yechipiri ichasvitswa riini mumaoko evakuru vakuru muZimbabwe, asi boka iri rati vachange vari munyarikani pakutambirwa kwendege iyi igurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, izvo zvatsinhirwa nemutevedzeri wavo, VaTerrence Mukupe.

Imwe nyanzvi munyaya dzendege kuGermany, VaJerry Haas, vanyorawo paTwitter vachiti ndege yeBoeing 772 ndiyo iri kusvitswa mumaoko evakuru vakuru muZimbabwe.

VaHaas vaudza Studio 7 kuti vanga vari mumisangano kuGermany kwakare, nekudaro vanga vasingakwanisi kutaura parunhare. Hatina kukwanisa kubatawo VaChinamasa kanawo gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoram Gumbo, kuti tinzwewo kwavari.

Asi vanoziva zviri kuitika vanoti ndege iyi iri kuuya muZimbabwe paine mutauro pamusoro pemuridzi chaiye wekambani yeZimbabwe Airways.

Muongorori wezvehupfumi anotaura akazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti kuumbwa kwekambani yeZimbabwe Airways yakanga yave nzira yekuda kuisa nayo mumaoko evanhuwo zvavo kambani yehurumende, hunove huwori hwakanga hwave kuitika muhurumende yaVaMugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG