Accessibility links

Breaking News

Gweta reMDC-T yaVaChamisa Rinoti MDC-T Chaiyo Iri Pasi paVaChamisa


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Gweta rinomirira MDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaThabani Mpofu, vanoti zviri pachena kuti bato raVaChamisa ndiro bato reMDC-T chairo.

VaMpofu vanoti nyaya yezita pakati pavo neMDC-T inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe haina kubviswa kumatare asi zuva rekuti inzwikwe richaziviswa mazuva anotevera.

VaMpofu vanotiwo mari inobva kuhurumende ichipihwa mapato ezvematongerwo enyika iyo yakapiwa bato raVaChamisa, yakaendeswa kubato iri zviri pamutemo nekuti hurumende inoendesa cheki kukero yebato iri mumagwaro ehurumende.

Mashoko aVa Mpofu anotevera mashoko emutevedzeri waMuzvare Khupe, VaObert Gutu, muhurukuro yavakaita neStudio7 neMuvhuro.

Panguva iyi Studio7 haina kukwanisa kubata gweta raVaChamisa.

“Nyaya iyi yemari inosetsa zvisingaiti. Mari iyi yakabva kuhurumende ichienda kubato reMDC. Vanhu vese muZimbabwe vanoziva kuti MDC inotungamirwa naVaChamisa; MDC ine mahofisi kuHarvest House; ekuBulawayo chaiwo, ari pasi paVaChamisa. Zvese zve MDC zviri pasi paVaChamisa,” VaMpofu vakaudza Studio7.

VaMpofu vatiwo mutauriri weNational Assembly, VaJacob Mudenda, vakadzinga Muzvare Khupe muparamende mushure mekuudzwa kuita izvi neMDC-T yaVaChamisa.

Vati danho rakatorwa iri rakacherechedza hutungamiri hwaVaChamisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG