Accessibility links

Breaking News

Vakafanobata Chigaro cheMutungamiri weNyika, VaChiwenga, Vanowedzera Covid-19 Lockdown neMasvondo Maviri


Vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga. (Columbus Mavhunga/VOA)
Vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga. (Columbus Mavhunga/VOA)

Vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, vari zvakare gurukota rezvehutano, VaConstantino Guvheya Chiwenga, vawedzera nemasvondo maviri mutemo unorambidza kufamba famba kwevanhu senzira yekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19, kana kuti lockdown.

Gwaro raburitswa nebazi rezvehutano kuvatori venhau rinoti zvikoro zvichapiwa svondo rimwe chete mushure mekupera kwemasvondo maviri awedzerwa nawo lockdown aya kuitira kupa mukana wekugadzirira nekuisa zvikwanisiro muzvikoro zvisati zvavhurwa, zvichienderana nekuti denda reCovid-19 rinenge rakamira sei.

Gwaro iri rinotiwo varairidzi nevadzidzi vanosungirwa kupfeka mamasiki nguva dzose pavanenge vari muchikoro.

Vadzidzisi vose pamwe nevana vechikoro vari kukurudzirwawo kuti vabaiwe nhomba dzekudzivirira Covid-19, uye zvikwata zvemumatunhu zvinoona nezvehutano zviri kukurudzirwa kunge zvichiita ongororo muzvikoro kuona kana mutemo uri kutewedzerwa.

Veruzhinji vari kukurudzirwawo kuti vagare vakapfeka mamasiki, kugeza maoko nesipo nguva dzose, uye kusaenda munzvimbo dzakaungana vanhu, zvikuru kana vasina kupfeka mamasiki kana kuti vachidya kana kunwa zvinwiwa.

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rakazivisa neChina kuti vanhu vanomwe (7) vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika yose, uye vamwe vanhu mazana matanhatu ane makumi mashanu nemumwe (651) vakabatwa vaine chirwere ichi.

Izvi zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi munyika yose pazviuru zvishanu zvine mazana maviri ane makumi maviri nevaviri (5,222), ukuwo vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 kubva zvachatanga vava zviuru mazana maviri nemakumi maviri nezvishanu, zvine makumi masere nevana (225,084).

Kusvika pakupera kwezuva neChina, vanhu vakanga vabayiwa nhomba yekutanga yekudzivirira chirwere cheCovid-19 vakanga vave mamiriyoni mana ane zviuru zana nemakumi mapfumbamwe nezviviri, zvine mazana manomwe ane makumi matanhatu ane nevasere (4,192,768).

Vanhu vakanga vabayiwa nhomba dzose mbiri vave mamiriyoni matatu ane zviuru mazana maviri ane gumi nezvitanhatu, zvine mazana maviri ane makumi mashanu nevasere (3,216,258); ukuwo, vabaiwa nhomba yechitatu vave zviuru makumi maviri nechimwe, zvine mazana mashanu ane makumi matanhatu nevashanu (21,565).

Huwandu uhu hunogona kukwira neChishanu manheru apo hurumende ichazivisa zvayawana muongororo dzaitwa.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba yeCovid-19 vanhu mamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana, senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG