Accessibility links

Breaking News

Muzvare Thokozani Khupe Vava Nhengo yeNational Assembly


MDC T - Interim President Thokozani Khupe and National Chairman Morgan Komichi

Vakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, vava nhengo yeNational Assembly zvichitevera kuburitswa kwakaitwa gwaro rehurumende rinozivisa zvinhu zviri pamutemo.

Muzvare Khupe mumwe wevanhu gumi nevashanu vakasarudzwa neMDC-T kutsiva nhengo dzeMDC Alliance dzakadzingwa mudare reNational Assembly neSenate.

Vanoziva zviri kuitika vanoti Muzvare Khupe vari kutarisirwa kudomwa semutungamiri wemapato anopikisa muparamende, kana kuti Opposition Leader of the House, basa rakanga riri ra Muzvare Thabitha Khumalo veMDC Alliance, avo vakadzingwa mudare iri ne MDC-T.

Studio7 yatadza kubata munyori mukuru we MDC-T, VaDouglas Mwonzora, sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

Asi sachigaro veMDC-T, VaMorgen Komichi, vanoti ichokwadi kuti Muzvare Khupe vava nhengo yeNational Assemby, uye izvi zvakanakira bato ravo sezvo rinenge rave nemutungamiri muparamende anenge achiona kuti zvido zvebato zviri kutevedza.

VaKomichi vati hachisi chokwadi kuti vari kudyidzana neZanu PF, uye vati vari kuvashora vanhu vasiri kuziva zviri kuitika mubato ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Sezvo tichitema tisina kwatinorerekera, tabata mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, Va Clifford Hlatywayo, avo vati zviri pachena kuti veMDC-T vari kushanda neZanu PF mukudzinga vanhu vakasarudzwa nevanhu.

VaHlatywayo vati bato ravo rine hurongwa huchashamisa nyika nokuti havangagari vakabata maoko zvinhu zvichiipa munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Studio7 haina kukwanisa kubata vakafanobata chigaro chemutauriri weZanu PF, Va Patrick Chinamasa, kanawo mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato iri, VaTafadzwa Mugadi, sezvo nharembozha dzevaviri ava dzanga dzisingadairwe.

Asi sachigaro ve Zanu PF mudunhu reNorth America Province, Va Regis Charumbira, varamba kuti bato ravo riri kushanda neMDC-T mukuvhiringa MDC Alliance.

VaCharumbira vadi MDC Alliance inoti ikahwina kumatare, inorova bembera, asi ikakundwa, yozhamba semwana mudiki.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG