Accessibility links

Breaking News

VaMusarurwa Mutizwa Votanga Basa reKufanobata Chigaro chaMeya weHarare


Water for Zimbabwe Project
Water for Zimbabwe Project

Vakasarudzwa kuti vambofanobata chigaro chameya weguta reHarare, VaMusarurwa Stewart Mutizwa, vari kutarisirwa kutanga basa nhasi.

VaMutizwa, avo vanove kanzura we Ward 9 vari vebato reMDC Alliance, vanoti vakatarisana nemutoro mukuru wekugadzirisa zvinhu muguta guru renyika iri.

VaMutizwa vakadomwa nevakafanobata chigaro chegurukota rezvekutongwa kwematunhu, Amai Jenfan Muswere, kuti vafanobata chigaro zvichitevera kumbomiswa basa negurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo, kwameya weHarare, VaJacob Mafume pamwe nemutewedzeri wavo, VaLuckson Mukunguma.

Vaviri ava vari kupomerwa mhosva dzehuwori nekusafambisa mabasa ehofisi dzavo zviri pamwero.

VaMutizwa vanoti vakatambidzwa tsamba yekudomwa kwavo pachigaro ichi nemusi weChitatu svondo rino.

Kudomwa kwaVaMutizwa pachigaro ichi kwaita kuti bato reMDC Alliance rirambe richitungamira guta reHarare panguva iyo vamwe vanga vachiona kusungwa nekumbodzingwa mabasa kwemamwe makanzura ebato iri senzira yekuti hurumende iwane mukana wekudoma komisheni inofanofambisa mabasa muguta iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG