Accessibility links

Vanhu Makumi Maviri neVaviri Vanofa Mutsaona kuTsholotsho


Mpilo-Central-Hospital

Tsaona yakaitika neMugovera ku Tsholotsho ku Matabeleland North inonzi yakatora hupenyu hwevanhu makumi maviri nemumwe pakaitika tsaona, mumwezve ndokufira kuchipatara.

Tsaona iyi yakaitika apo vanhu makumi matanhatu vakange vari murhori yehurumende vachiendeswa kunzvimbo dzakasiyana siyana kunorwisa chirwere che malaria kwa Sipepa, ku Tsholotsho kwakare.

Vari munzira kuenda kubasa, zvinonzi muchairi werhori anonzi akatadza kutyaira zvakanaka rhori iyi kuti irambe iri mumugwagwa payakasvika panomonyoroka mugwagwa, ndokubuda mumugwagwa ichibva yapinda musangano umo yakabheukira.

Mukuru anoona nezvehutano mudunhu reMatabeleland North, Doctor Nyasha Masuka, vanoti hurumende iri kubatsira vakashaya mutsaona iyi.

Vatiwo munhu akashaya mutsaona iyi ari kuwana mari inoita chiuru chemadhora.

Dr Masuka vatiwo pane vanhu vari kurapwa muzvipatara zvinoti Tsholotsho, Mpilo Central Hospital ne United Bulawayo Hospitals zvichitevera tsaona iyi.

Studio7 haina kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Muna Chikunguru gore rino, vanhu gumi nevaviri vakafa vazhinji vakakuvara ku Kamativi ku Matebeleland North kwekare.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG