Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Vanonyoresa Kuitira Kuti Vakwikwidze Musarudzo Dzichaitwa Muna Kurume


Zimbabwe Electoral Commission

Zimbabwe Electoral Commission (ZEC ) nhasi yatambira magwaro evanhu vachapinda musarudzo dzichaitwa musi wa26 Kurume, mapato makuru munyika anoti MDC Alliance, Citizens Coalition for Change pamwe neZanu PF achinyoresa mazita evanhu vachakwikwidza zvigaro zvesezveNational Assembly gumi muHarare, Chitungwiza neEpworth.

ZEC yatambirawo mazita evanhu vachapinda musarudzo idzi mumatunhu ese munyika.

Zvigaro zvese gumi zveNational zviri kukwikwidza muHarare, Chitungwiza neEpworth.

Kunze kwemapato makuru matatu aya mamwe mapato ari kupinda mussarudzo anosanganisira Lead Party iyo ichamiririrwa nemutungamiri wayo, Muzvare Linda Masarira kuHarare Central.

Ichi ndicho chigaro chete chiri kukwidzwa nebato iri.

Mamwe mapato ari kupinda masarudzo ndeanoti United Democractic Alliance, NPF, Patriotic Zimbabwean Party pamwe nevamwe vari kupinda musarudzo idz vakazvimirira.

Amai Betty Kaseke avo vachamirira bato reZanu PF kuKuwadzana Consituency vati zvinhu zvafamba zvakanaka uye vanotarisira kukunda.

Amai Zalerah Makari veZanu PF avo vakambomirira Epworth vanotiwo havanachimwe chavari kutarisira kunze kwekukunda.

Amai Susan Matsunga avo vakadzingwa muparamandeneMDC Tuye vachamirira, Citizens Coalition for Change, kuMufakose Constituency vaudza Studio 7 kutivanokumbira vanhu vekuMufakose kuti vavhotere.

Sachigaro weCitizens Coalition for Change muHarare, VaWellington Chikombo, avo vari kumirira Glen Norah vati veruzhinji vari kufarira shanduko yakaitwa nebato ravo uye vachakunda zvine mutsindo.

VaNorest Marara Chiureki, veMDC Alliance avo vari kukukwidza kuve nhengo yeNational Assembly kutHarare Central, vaudza Studio 7 kuti vanotarisira kukunda nekuti vanhu vakawanda vari kugunun’una nemumiriri ange aripo.

Sarudzo idzi dizichaitwa musi wa26 Kurume, uye dziri kusarudza vanhu vachatsiva vakadzingwa basa kana kufa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG