Accessibility links

Breaking News

Mhuri yeAmerica Inocherechedza Vatungamiriri Venyika Vayo Vose


Muzinda weWhite House

America neMuvhuro yakacherechedza zuva revatungamiri venyika rePresidents' Day, zvisineyi kuti vaive vebato ripi.

Nyanzvi mune zvamatongerwo enyika vachidzidzisa paAmherst College kuMassachusetts, muAmerica, Doctor Chipo Dendere, vanoti sezvo Zimbabwe yatovewo nevaimbove mutungamiri wenyika, zuva rakadai rinofanira kuvepo kuti mune ramangwana vanhu vakwanise kuwana zuva rekucherekedza zvakaitwa zvakanaka nevatungamiri vavo.

“Sezvo tave nevaimbove mutungamiri wenyika, ndinofunga sezvakakosha kuti tifunge kuti tichazopembedza zvakanaka zvakaitwa naVaMugabe sei. Ndinoona sekuti ndizvo zvinoita ‘holiday’ iyi kuti ma Americans vanonzwisisa kuti vatungamiriri vavo venyika vaiita zvimwe zvinhu zvakashata zvakawanda, kunyanya mazuva ekutapa vanhu asi vane zuva rimwe chete ravanosarudza kurangarira zvakanaka zvavakaitirwa nevatungamiriri vavo vakasiyana siyana," Doctor Dendere vanodaro.

Mutungamiri wenyika pari zvino muAmerica, VaDonald Trump, ndivo mutungamiri wechimakumi mana neshanu, mushure mekutora matomu kubva kunaVaBarrack Obama, avo vakave mutungamiri wechitema wekutanga kutonga America.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG