Accessibility links

Breaking News

Vanorwira Kodzero dzeVanhu Voshushikana neKuwanda kweVanhu Vari Kupambwa


Vakawanda vari kupambwa mudzimba nevanofungidzirwa kuti vasori vachisiiwa vaitwa kafira mberi.
Vakawanda vari kupambwa mudzimba nevanofungidzirwa kuti vasori vachisiiwa vaitwa kafira mberi.

Vanorwira kodzero dzevanhu vanoti vari kushushikana zvikuru nekukwira kwehuwandu hwevanhu vanonzi vari kupambwa mudzimba, voshungurudzwa, vosiiwa vaitwa kafira mberi.

Mukati memazuva gumi adarika, nhengo dzebato rinopikisa reMDC pamwe nevemasangano akazvimirira vangada kusvika makumi maviri, vakapambwa nevanhu vaive vakapakatira zvombo muHarare, Bulawayo neMasvingo vachishungurudzwa pamwe nekutyorerwa kodzero dzavo.

Izvi zvakanyanya kuitika mushure mekunge MDC yazivisa kuti nhengo dzayo dzaizopinda mumigwagwa dzichiratidzira dzichiti nyaya yehutungamiri inofanirwa kutanga yagadziriswa, sezvo bato iri risiri kucherechedza hutungamiri hwaVaEmmerson Mnangagwa.

Zvimwe zvinonzi neMDC zvinofanirwa kugadziriswa inyaya dzezvehupfumi hwenyika pamwe nezvematongerwo enyika.

Vanhu vakapambwa vakasiiwa vaitwa kafira mberi vanosanganisira vanorwira kodzero dzevanhu, VaTatenda Mombeyarara, VaBlessing Kanotunga vanove nhengo yeMDC, VaTinashe Kambarami, vanove mutevedzeri wameya weBulawayo.

Usiku hwemusi weChitatu, mumwe ane mukurumbira mukuita zvemitambo pazvivhitivhiti, Samantha Kureya, uyo anozivikanwa nerekuti Gonyeti, akapambwawo nevanhu vakanga vakapakatira zvombo, avo vakamushungurudza uye kumurova nekumusiya asina chaakapfeka.

Gonyeti anonzi akamanikidzwa kunwa siweji.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimRights, VaOkay Machisa, vanoti vanofunga kuti vari kushungurudza vanhu uye kutyora kodzero dzavo vane chekuita nehurumende.

VaMachisa vanoti vanokurudzira hurumende kuti imise nyaya dzekupambwa kwevanhu, kuitira kuti ikwanise kuremekedzwa nedzimwe nyika.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti vanoshamiswa nevanhu vanoti hurumende ine chekuita nekupambwa pamwe nekushungurudzwa kwevanhu uku ipo pasina humbowo.

VaChirumhanzu vanoti vanhu havafanirwe kumhanyira nyaya dzekodzero dzevanhu vasingataure nezvezvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika neAmerica, vachiti vose vanoti vanorwira kodzero dzevanhu vanofanirwa kuonekwa nekutungamira mukuratidzira kumuzinda weAmerica vachikurudzira kuti zvirango zvibviswe.

Hurukuro naVaGadzira Chirumhanzu pamwe naVaOkay Machisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG