Accessibility links

Breaking News

Ndiyani Acharigwa Pakati paVaChamisa naVaMnangagwa Musarudzo?


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa ndivo vanoonekwa sevakwikwidzani varipamusoro pevamwe vose.
VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa ndivo vanoonekwa sevakwikwidzani varipamusoro pevamwe vose.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti kunyange hazvo paine vanhu makumi maviri nevatatu vachakwikwidza sarudzo yemutungamiriri wenyika, makwikwi chaiwo ari pakati pemutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemutungamiri we MDC Alliance, VaNelson Chamisa.

Asi vanotiwo vamwe ava vanogona kuderedza mukana wevaviri ava wekukunda zvine musarudzo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaVivid Gwede, vanoti kunyange hazvo VaMnangagwa naVaChamisa vari pamusoro, Doctor Joyce Mujuru vePeople’s Rainbow Coalition naMuzvare Thokozani Khupe veMDC-T, vane rutsigiro runokwanisa kusandura zvinobuda musarudzo.

VaGwede vanoti ruzhinji rwevamwe vari kukwikwidza havazikanwi zvachose uye zvinonetsa kuti vanhu vavavhotere musarudzo.

Vamwewo vanongorora zvematongerwo enyika, VaMasimba Kuchera, vanoti VaChamisa vane mukana mukuru wekukunda musarudzo iyi nekuti misangano yekutsvaga rutsigiro yavaita kusvika pari zvino, yaratidza kuti vari kufarirwa nevechidiki avo vakanyoresa kuvhota zvine mutsindo gore rino.

VaGwede vanotiwo kunyange hazvo VaMnangagwa vave hari yofanzirofa, munhuwo ane mukana wekukunda musarudzo nekuti ndivo vari panyanga pari zvino uye vanoshandisa mari nezvirongwa zvehurumende kutsvaga rutsigiro.

Vanotiwo VaMnangagwa vane rutsigiro rwemauto uye izvi zvinowedzera mukana wavo wekukunda musarudzo.

VaGwede vanoti VaMnangagwa semutungamiriri wenyika vanoziva zvese zviri kutika kuZec uye vanoona sekuti izvi zvinovapa mukana wekukunda pane vamwe vese.

Asi vanoti kunze kwaizvozvo, nyaya yavo yekudyidzana zvakanyanya nemasoja pamwe nekushanda nevaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, inokwanisa kuvakanganisa musarudzo.

Vanotiwo bato raVaMnangagwa rakapatsanuka zvakanyanya uye ivo VaMnangagwa vakadzinga nhengo dzakawanda dzaitsigira VaMugabe uye izvo zvinogona kuvakananganisawo musarudzo.

Dzimwe nhengo idzi dzakatanga bato rinopikisa reNational Patriotic Front iro rine nhengo dzakawanda dzakanyoresa kupinda musarudzo dzichiti dzichatsigira VaChamisa musarudzo yemutungamiri wenyika.

VaKuchera vanoti VaChamisa vane dambudiko seraVaMnangagwa vakawedzera kuti masarudziro avakaita nhengo dzichamirira bato ravo akatsamwisa vakawanda mubato iri pamwe nemubatanidzwa weMDC Alliance.

Vanotiwo kunyange hazvo VaChamisa vari kuratidza kuti vane rutsigiro rwakawanda vanofanira kuita semunhu ari kugadzirira kuzotonga nyika.

VaKuchera vanoti zviri pachena kuti VaChamisa naVaMnangagwa vacharasikirwa nemavhoti nekuda kwevanhu vavakadzinga mumapato avo kusanganisira Amai Mujuru naAmai Khupe.

Vanongorora zvematongerwo enyika vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute, VaBekezela Gumbo, vanoti vanobvumirana nemaonero aya.

VaGumbo vanoti semaonero avo mamwe mapato aya ane chinangwa chekuvhiringa vamwe musarudzo sezvo asina mukana wekukunda.

Asi mukuru werimwe bato rinopikisa uye risina kupinda musarudzo idzi, Doctor Wurayayi Zembe, vanoti vanhu vemuZimbabwe havasi kuzobatwa kumeso nenzira iyi.

Vati vanhu vemuZimbabwe vanotoziva wavanoda pavanhu makumi maviri nevatatu ava.

Vamwe vevachakwikwidza musarudzo yemutungamiriri wenyika ndaVa Lovemore Madhuku – National Constitional Assembly; VaDaniel Shumba – United Democratic Alliance; Doctor Noah Ngoni Manyika – Build Alliance Zimbabwe; VaNkosana Moyo veAlliance for the People’s Agena, VaElton Mangoma veCoalition of Democrats nevamwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG