Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe, Makore Matatu VaMugabe Vabviswa Zvine Ganyabvu Mukati


_ZIMBABWE-MUGABE
_ZIMBABWE-MUGABE

Vanhu vakawanda vanorangarira kubviswa nechisimba kwakaitwa vaimbove mutungamiri wenyika mushakabvu VaRobert Mugabe vamwe vanhu vakawanda vachiti zvinhu zvatonyanya kuoma munyika.

Vamwe vakaita semumwe mugari wekwaRusape, VaFambayi Fambayi, vanoti zvinhu zvaive nani munguva yaVaMugabe sezvo VaMugabe vaitombomira mira kugadzirisa zvinhu izvo vanoti zviri kutadza kuitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

VaArthur Changara, avo vakapedza zvidzidzo zvavo paMidlands State University, vanoti kudzidza kwavo kwakarwadza pasi pehutongi hwaVa Mnangagwa.

VaChangara vanoti munguva yaVaMugabe vaikwanisa kurarama vachidya pachikoro asi pari zvino, vave kupihwa mari shoma nevabereki sezvo vabereki vavo vasisawane mari sezvavaimboita munguva yaVaMugabe.

Mukuru wesangano revadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vanoti kunyange hazvo zvinhu zvainge zvakaoma munguva yaVaMugabe, varairidzi vaipihwa mari yavo iri yemadhora ekuAmerica izvo zviri kutadza kuitwa naVaMnangagwa.

VaMasararure vanoti nguva yaVaMugabe vaipihwa mari yavo yebhonasi
yakakwana nemabhenefitsi ose izvo zvashanduka munguva ino yaVaMnangagwa vari panyanga.

VaMasaraure vanoti chimwe chinoita kuti vadzidzisi vaone kunge nguva
yaVaMugabe zvinhu zvanga zvarinani ndechekuti VaMugabe vaive
nekakuremekedza vadzidzisi nekuti vaitaurirana navo kwete zvehurumende yaVaMnangagwa.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatswayo,
vanotiwo huori nekutyorwa kwekodzero dzevanhu kwanyanya munguva
yaVaMnangagwa.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rebato reZanu PF sezvo mutauriri webato iri,
VaPatrick Chinamasa, avo vanga vambovimbisa kutaura nesu, vange
vasisadavire nharembozha yavo.

Asi mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti zvinhu zvava nani pasi pehutungamiri hwaVaMnangagwa.

Vaimbove gurukota muhurumende yaVaMugabe, VaJonathan Moyo, avo vari muhupoteri, vanyora padandemutande ravo reTwitter vachitenda mudzimai waVaMugabe, Amai Grace Mugabe, kuti vakavanunura kuti vasaurayiwe nemasoja.

Asi VaMoyo havana kutaura kuti vakanunurwa sei.

VaMugabe, avo vakashaya gore rapera, vakamanikidzwa kusiya basa makore matatu apfuura mwedzi uno, izvo zvakaita kuti VaMnangagwa vapinde panyanga.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG