Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Republic Police inoti kusvika pari zvino, vanhu makumi maviri nemumwe vafa mutsaona dzemumigwagwa munyika yose pazororo reEaster.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa, Chief Superintendant Paul Nyathi, vanoti tsaona zhinji dziri kukonzerwa nevatyairi vanenge vachimhanyisa motokari dzavo, vamwe vachida kupindira dzimwe motikari dzinenge dziri mberi kwavo.

VaNyathi vatiwo tsaona idzi dziri kuitika munzvimbo dzakasiyana siyana.

VaNyathi vati gore rino vane zvikwata zvakawanda zviri kushanda nesangano reTraffic Safety, pamwe nebazi riezvekutakurwa kwezvinhu vachiyambira veruzhinji kuzvibata kana vari mumigwagwa, kuitira kuti vasapinda mutsaona.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG