Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vatura muparamende bhajeti regore rinouya remari inoita mabhiriyoni makumi matanhatu nematatu ane mamiriyoni mazana matanhatu emadhora emari yemunyika.
Muzvinafundo Ncube vazivisawo kuti hurumende yavo iri kutarisira kuwana mari inoita mabhiriyoni makumi mashanu nemasere ane mamiriyoni mazana matanhatu emadhora kubva kumitero, izvo zvinoreva kuti inozosara ichida mabhiriyoni mashanu emadhora kuti bhajeti rayo rikwane.
Pabhajeti iri, bazi rezvehutano rapiwa mari inoita mabhiriyoni matanhatu nemazana mashanu ezviuru zvemadhora, bazi rezvekurima richipiwa mari inoita bhiriyoni rimwe rine mamiriyoni mazana mapfumbamwe emadhora.
Bazi rezvedzidzo yepasi rapiwa mari inoita mabhiriyoni masere ane mazana mashanu emamiriyoni emadhora.
Muzvinafundo Ncube vazivisawo kuti mari inotambirwa nemushandi ichange ichizobatirwa mutero yakwidzwa kubva pamadhora mazana manomwe kuenda pamadhora zviuru zviviri pamwedzi.
Vazivisawo kuti mari yembhonasi isingabatirwe kutero ichange ichizokwira kubva pachiuru chemadhora kuenda mazviuru zvishanu zvemadhora.
Vatiwo hurumende yaisa parutivi mari ichashandiswa mukuita tsvakurudzo muzvidzidzo zvinosanganisira kuendeswa kuchadenga kwechitundumuseresere kana kuti space satellite.
Gore rapera hurumende yakaparura Zimbabwe National Geospatial and Space Agency, iyo ichabatsira mumapoka anosanganisira zvekurima, kutarisiswa kwezvirwere, uye zvivakwa.
Vamwe vanorwira kodzero dzevashandi vanoti danho rekusabatira vashandi vepasi mutero iri richaitawo kuti vashandi vange vaine mari yekushandisa, kunyange hazvo vamwe vari kuti izvi hazvina zvikuru zvazvinobatsira vashandi sezvo vagara vachitambira mari iri pasi zvakanyanya.
Imwe nyanzvi mune zveupfumi uye vakambotungamira sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, VaLuxon Zembe, vanoti vanofara nebhajeti regore rinouya iri sezvo rakanangana nekuendesa mari kuvanhu nekumabhizimusi.
VaZembe vanoti bhajeti regore rino ranga rakanyanya kunangana nekutora mari kubva kuvanhu kuburikidza nemitero yaingodzikwa nehurumende, izvo vanoti zviri kuita kuti veruzhinji pamwe nevemabhizimusi vatambure.
vanotiwo paifanirwa kunge paiswa mari yakawanda kubazi rezvekurima kuitira kuti nyika igadzirise matambudziko emvura kuburikidza nekuvaka madhamu munyika.
Hurumende yakambenge ichitarisira kushandisa mari inoita mabhiriyoni makumi maviri nesere kugore rinouya, asi gurukota rezvemari rakazozivisa kuti vakanga vakwidza mari iyi nekuda kwekushaya simba kwemari yemunyika.
Facebook Forum