Accessibility links

Breaking News

Vadzidzi vepaGreat Zimbabwe University Vopinda muMakwikwi eJessup muWashington D.C.


Vadzidzi vemutemo paGreat Zimbabwe University vari muWashington D.C. nemukuru wavo, VaVictor Nkiwane (kurudyi).
Vadzidzi vemutemo paGreat Zimbabwe University vari muWashington D.C. nemukuru wavo, VaVictor Nkiwane (kurudyi).

Makwikwi evadzidzi vemutemo ezvekutongwa kwedzimhosva dzinoitika pakati penyika, e2018 Jessup International Law Moot Court Competition, atanga muWashington D.C.

Mumakwikwi aya, ayo ave nemakore makumi mashanu nemapfumbamwe achiitwa, anoitwa gore rogaroga, uye gore rino Zimbabwe iri kumiririrwa nevadzidzi vana vezvemitemo vepa Great Zimbabwe University.

Sachigaro weHerbert Chitepo Law School paGreat Zimbabwe University, VaVictor Nkiwane, avo vari kutungamira chikwata cheZimbabwe, vanoti gore rino makwikwi aya akapindwa nezvikoro zvedzidzo yepamusoro zvinosvika mazana mashanu, kubva kunyika dzakasiyana-siyana dzepasi rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG