Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatana neDzimwe Nyika Kucherechedza Mazuva eKukoshesa Kodzero dzeMadzimai


Zimbabwe nemusi weSvondo yakabatana nedzimwe nyika dzepasi rino mukucherechedza mazuva gumi nematnhatu akanangana nekukurudzira vanhu kuti varemekedze kodzero dzemwanasikana nevanhukadzi.

Izvi zvinoitwa gore roga roga kubva musi wa 25 Mbudzi kusvika musi wa 10 Zvita.

Mazuva aya ndeekukuridzira kodzero dzevanhukadzi pamwe nekudzidzisana kuvabata nenzira dzine chiremera.

Doctor Angela Gapa, avo vanodzidzisa paCalifornia State University kuChico, kuCalifornia, vanoti chinhu chikuru chinodikanwa mukurwisa kusabatwa zvakanaka kwevanhukadzi kudzidzisa vana kubva vachiri vadiki, vachiudzwa nekuratidzwa kuti vasikana nevakomana vakaenzana.

“Tinofanirwa kutanga kudzidzisa vana vachiri vadiki pamusoro pekodzero dzevanasikana kuti vakure vachidzikoshesa,” Doctor Gapa vakaudza Studio 7. vanotizve, “Tsika nemagariro edu zvinokurudzira kusabatwa kwevanhukadzi zvakanaka.”

Mazuva gumi nematanhatu aya ari kucherechedzwa nenyika zhinji dzepasi pose kusanganisa masangano anorwira kodzero dzevanhu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG