Accessibility links

Masvingo Yopika Kusazovhotera VaMugabe neZanu PF Yavo


Mutungamiri weNyika VaRobert Mugabe

Vatsigiri veZanu PF vechikwata cheTeam Lacoste kuMasvingo vanoti havasi kuzovhotera mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, nebato ravo musarudzo dzegore rinouya vachiti havasi kufara nekudzingwa kwakaitwa mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Manangagwa.

Vatsigiri vakawanda veZanu PF vanoti zvakaitwa na VaMugabe zvasiya bato ravo riri zinyeke-nyeke izvo zvichaita kuti rikundwe zvichitevera kudzingwa kwemunhu ane rutsigiro rwakasimba mudunhu reMasvingo neMidlands.

Mumwe mutsigiri weTeam Lacoste, Muzvare Netsai Chikungo, vanoti vave kutofunga kutsigira mapato anopikisa.

Mumwewo mutsigiri weTeam Lacoste aramba kudomwa zita rake achityira hupenyu hwake, atiwo vangomirira sarudzo kuti vatsive VaMugabe.

Chikwata cheG40 chinotungamirwa na VaAmasa Nenjana, sachigaro akatsiva VaEzra Chadzamira, chakakurudzira kudzingwa mubato kwevakuru vebato muMasvingo vanoti, VaJosiah Hungwe, VaLovemeore Matuke, Va Paul Mangwana, Va Clemence Makwarimba uye VaChadzamira.

Asi Team Lacoste inoti haisi kutambira zviri kuitwa neG40, uye icharamba ichitora VaChadzamira sasachigaro wayo muMasvingo.

Mutauriri weTeam Lacoste kuMasvingo, VaRonald Ndava, vanoti havasi kuzotambira kudzingwa kwevakuru vavo muMasvingo vachiti musangano wakaitwa neMuvhuro hausi pamutemo.

Asi nhengo yePolitburo yeZanu PF, VaWalter Muzembi, avo vanofungidzirwa kuti ndivo vava kutungamira G40 kuMasvingo, vanoti izvi hazvikanganisi Zanu PF pasarudzo nekuti yangobvisa mapete anga apinda mumukaka.

Nyanzvi munyaya dzezvematongererwe enyika kuMasvingo, VaTinaye Mapingure, vanoti uku ndokwava kupera kweZanu PF iyo inogona kukundwa musarudzo ikaramba ichirwisana zvakadai.

Sachgaro wevechidiki muMDC-T, VaHappymore Chidziva, vanoti vanotambira vatsigiri veTeam Lacoste nemaoko maviri.

Hondo yekudzinga vanofungidzirwa kuti vanotsigira VaMnangagwa iri kuenderera mberi zvichitevera kudzingwa neChipiri kwevatungamiri veTeam Lacoste kwaChivi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG