Accessibility links

Breaking News

VaZuma Vosiya Musangano weSADC Usati Wazeya Nyaya yeZimbabwe


South Africa's President Jacob Zuma.
Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, avo vanove mutongi gava panyaya yeZimbabwe, vakadimburira panzira neChishanu musangano weSADC summit kuMozambique kuti vadzokere kuSouth Africa kunogadzirisa nyaya yekupfurwa kwevanhu vanodarika makumi matatu nemapurisa pamugodhi wekuRotensburg.

Mutauriri waVaZuma, VaMac Maharaj, vati VaZuma vakumbira kuti vadimure rwendo panzira kuna sachigaro weSADC mutsva, VaArimando Guebuza vekuMozambique.

VaZuma vange vachitarisirwa kuti vature gwaro panyaya yeZimbabwe kune vamwe vatungamiri venyika dzekuchamhembe kweAfrica sezvo SADC troika yakasangana neChina yakatenderana kuti paitwe musangano uzere weZimbabwe kana kuti full summit.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, mutungamiri weMDC diki, VaWelshman Ncube, nemamwe makurukota ehurumende vari kumusangano uyu.

VaMutambara vanonzi vakanetsana zvakanyanya naVaZuma mumusangano weTroika neChina vachiti havana kufara nekuti vainge varambidzwa kuita musangano naVaZuma pavakaenda kuZimbabwe neChipiri.

VaMutambara vaudza Studio 7 kuti havana kufara nemabatirwo avakaitwa naVaZuma pavakaramba kuvaona pavakauya kuZimbabwe neChipiri.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachidzidzisa pa University of Zimbabwe, Muzvinafundo John Makumbe vanoti hapana chavanoona chichafamba kuSADC kana VaZuma vasipo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG