Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanobvisiswa Mari yeChibatiso Kuitira Kuti Vatongwe Vachibva Kumba


Tendai Biti In Court Zimbabwe Elections

Mutungamiri wePeople's Democratic Party, VaTendai Biti, vabhadhariswa zviuru zvishanu zvemadhora semari yechibatiso mushure mekumiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuburitsa zvakubuda musarudzo dzesvondo rapfuura.

VaBiti vari pomerwa mhosva mbiri, imwe yacho iri yekukurudzira vanhu kuti vaite zvemhirizhonga iyo yakaona vanhu vachipfurwa vakafa nemasoja musi was 1 Nyamavhuvhu.

Mutongi wedare, VaFrancis Mapfumo, vapa mutongo uyu mushure mekunge vachuchusi nemagweta aVaBiti vabvumirana kuti VaBiti vabhadhare mari yechibatiso kuitira kuti nyaya yavo inzikwe vachibva kumba.

VaBiti vanziwo vasiye pasipoti yavo kudare, uye vazvipire kumapurisa kaviri pazuva, uye kuti vasapindire mukuferefetwa kwenyaya yavo pamwe nekuti vagare pakero yavapa kumapurisa.

Rimwe remagweta aVaBiti, VaAlec Muchadehama, vati vafara kuti dare ravapa mukana wekubvisa mari yechibatiso

Vanhu vakawanda kusanganisira vamiriri wedzimwe nyika, vanosanganisira mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBrian Nichols, vange varimo mudare panzikwa nyaya iyi.

Mumwe wevatsigiri waVaBiti, VaMunyaradzi Makwanya, vanoti vafara nekuburitswa muhusungwa kwaVaBiti.

VaBiti vari kupomerwa mhosva yekubudisa zvakabuda musarudzo musi wa30 July apo vakazivisa vatori venhau kuti mutungamiriri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vainge vakunda musarudzo yemutungamiriri wenyika.

VaBiti vasungwa kuChirundu vachibva kuZambia uko vainge vaenda kunotsvaka hupoteri. Nyaya yavo inoenderera mberi neChishanu.

VaBiti vakapinda muZambia neChitatu mangwanani vachida kutsvaga hupoteri.

Vapinda muZambia, matikitivha emuZimbabwe anonzi akamboedza kuda kuvapamba, asi akazotadziswa nezvizvarwa zveZimbabwe zvakadya marasha zvanzwa kuti VaBiti vakange vave kupambwa kuti vadzoserwe kuZimbabwe.

Mapurisa emuZambia akazopindirawo ndokubva abatsira kuti VaBiti vapinde kumahofisi ekupinda nekubuda kwevanhu muZambia.

Chikumbiro chekuti VaBiti vapihwe hupoteri hachina kubatwa zvakanaka neZambia, kunyange hazvo matare emuZambia akanga apa mutongo wekuti VaBiti havaifanirwa kudzoserwa kuZimbabwe sezvinodiwa nemitemo yepasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG