Accessibility links

Breaking News

Paramende Inoudzwa Pamusoro peDambudziko reDutumupengo reCyclone Idai


Cyclone Idai
Cyclone Idai

Nhengo dzeparamende dzashora hurumende nekutadza kwayo kuyambira veruzhinji nguva ichiripo pamusoro pedutumupengo reCyclone Idai iro rakauraya vanhu makumi mapfumbamwe nevasere munyika.

Asi hurumende inoti yakaita zvese zvayaikwanisa kuita uye inoti pane zvizhinji zvayakadzidza kubva padambudziko iri.

Izvi zvaitika apo gurukota rinoona nezvematunhu, VaJuly Moyo, vazivisa paramende zviri kuitwa nehurumende mukubatsira vanhu vakawirwa nedambudziko redutumupengo iri.

VaMoyo, vanove sachigaro wekomiti yemakurukota ari kutungamira basa rekubatsira vanhu vakabatwa neCylone Idai, vati hurumende, ichibatsirwa nemakambani nemasangano akazvimira, pamwe nedzimwe nyika, iri kuedza napose painogona napo kusvitsa rubatsiro rwakaita sechikafu, mishonga, mbatya nezvimwe kuChimanimani neChipinge.

Vatiwo vari kubatsirawo kuchengeta vakafa uye vati huwandu hwevanhu vakafa huri kuramba huchikura.

Vatiwo mimwe mitumbi yevanhu yakatoenda kuMozambique.

Mumiriri weDangamvura muNational Assembly, VaProsper Mutseyami veMDC, vati Cyclone Idai yakauraya nekuparadza misha nezvinhu zvakanyanya nekuti vange vasina ruzivo kuti iri kuuya.

Imwe nhengo yedare iri iyo inobva kuManicaland, Amai Lynette Karenyi-Kore, vatiwo havana chokwadi nezviri kutaurwa nehurumende pamusoro pezviri kuitika kudunhu iri nekuti zviri kutaurwa naVaMoyo hazvienderani nezviri kutaurwa nehama dzavo dziri munzvimbo idzi.

Mumiriri weKwekwe Central, VaMasango Matambanadzo, vatiwo vanoshamisika kuti hurumende yakatadza kubatsira vanhu kuChimanimani asi iyo iine mauto nemapurisa.

Vachipindura mibvunzo iyi, VaMoyo vati hurumende yakasvitsa shoko rekuuya kweCyclone Idai asi vakati vamwe vanhu havana kuterera.

Vakumbira nhengo dzeparamende kuti dzivabatsire kufambisa shoko kana pave kuda kuitika dambudziko rakaita seiri.

VaMoyo vabvuma kuti pane zvimwe zvavakatadzawo sehurumende zvakaita sekuti dai migwagwa nezvikoro munzvimbo dzakasvika Cyclone Idai zvakavharwa dutumupengo iri risati rasvika.

Vatiwo mashoko ava kuburitsa nehurumende ndeechokwadi asi vakati pane zvimwe zvitsva zvavari kuwana zuva nezuva sezvo paine dzimwe nzvimbo dzange dzisiri kusvikika muChimanimani neChipinge.

Zvichikadai mutauriri weparamende, Advocate Jacob Mudenda, vakumbira nhengo nevashandi veparamende kuti vabitsire vese vakawirwa neCylone Idai nezvipfeko, mari kana chipi zvacho chavanokwanisa.

Munei mwewo nyaya, sachigaro weGrain Millers Association, VaTafadzwa Musarara, vati zvichitevera kuparadzwa kwenzvimbo inosvikira zvikepe yeBeira kuMozambique neCyclone Idai, gorosi ravakatenga rave kuzosvikira kuMaputo rouya kuHarare nekuRutenga.

VaMusarara vataura mashoko aya kuvatori venhau kuparamende mushure mekunge vatadza kupa humbowo kukomiti yeparamende inoona nezvekurima maererano nemashandiro esangano ravo.

Sachigaro wekomiti iyi, VaJustice Mayo Wadyajena, vati VaMusarara nevamwe vavo vauya vasina kugadzirira zvakakwana nekudaro vachadzoka zvekare mukati memasvondo maviri ari kutevera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG