Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chikunguru 26, 2021


Bazi rezvehutano rinoti nezuro vanhu makumi mana nemana vakafa nechirwere cheCovid-19 vamwe mazana matanhatu negumi nevanomwe vakabatwa nechirwere ichi.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzokurudzira vanhu kuti vabayiwe nhomba mushure mekunge hurumende yazivisa kuti vakawanda vasina kubayiwa ndivo vari kufa.

Studio 7 inoshanyira nzvimbo dzekumaruwa kuMashonaland West uko zvinoratidza pachena kuti vakawanda havana ruzivo rwakakwana nezvechirwere cheCovid-19.

Hurumende yoronga kuvandudza mutemo wezvehutano weHealth Services Act, izvo zvichaita kuti vashandi vezvehutano varambidzwe kuramwa mabasa kwemazuva anodarika matatu akatevedzana.

Botswana yotumira mauto kuMozambique kunorwisa chikwata chinopfurikidza mwero chichidyidzana neIslamic State kunyangwe Zimbabwe isiri kunyatsobuda pachena pahurongwa hwayo

Aimbova murairidzi wechikwata cheCaps United nemaYoung Warriors Steve Kwashi anoshaya.

Tichakupai zviri kuitika kumitambo yemaOlympics kuTokyo, Japan uko Zimbabwe iri kukwikwidzawo.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa dambudziko rechirwere cheCovid-19 uye makwikwi emaOlympics ari kuitirwa kuTokyo, Japan.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG