Accessibility links

Breaking News

ZIFA Yotsvaga Murairidzi Mutsva weZimbabwe Warriors


ZIFA inoti iri mubishi rekutsvaga murairidzi mutsva wechikwata che Zimbabwe Warriors, kuitira kuti atange basa mwedzi waZvita usati wapera.

ZIFA inoti Zimbabwe inofanirwa kugadzirira makwikwi e 2011 Africa Nations Championship, pamwe neeAfrica Nations Qualifiers neWorld Cup 2014 Qualifiers.

ZIFA yava kutsvaga murairidzi zvichitevera kunyimwa mvumo yekushanda munyika kwakaitwa Tom Saintfeit nehurumende.

Vakafanobata chigaro cha Chief Executive we ZIFA, Va Jonathan Mashingaidze, vanoti shuviro yavo ndeye kuti murairidzi uyu atange basa gore rino risati rapera.

XS
SM
MD
LG